Zechariah 8:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova wehondo: Kuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wecinna, nokuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wecishanu, nokuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wecinomŋe, nokuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wegumi, ɀinofanira kuʋa kuimba yaJuda mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka iɗai ɀokwaɗi norugare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Kutsanya kwomwedzi wechina, wechishanu, wechinomwe nowegumi kuchava nguva dzomufaro nokupembera, nemitambo yomufaro kuna Judha. Naizvozvo mude zvokwadi norugare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo kutsanya kwapamwedzi wechina, nokutsanya kwapamwedzi wechishanu, nokutsanya kwewechinomwe uye nokutsanya kwewechigumi kunofanira kuva mwaka yokupembera kufara namazuva makuru okupembera kune vemba yokwaJudha, naizvozvo idai chokwadi norugare.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kuzvinyima zvokudya nomwedzi wechina, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechishanu, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechinomwe, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka idai zvokwadi norugare.’ ”
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha wehondo, `Kutsanya nomwedzi wechina, nokutsanya nomwedzi wechishanu, nokutsanya nomwedzi wechinomwe, nokutsanya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka idai zvokwadi norugare.' "
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kuzvinyima zvokudya nomwedzi wechina, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechishanu, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechinomwe, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo ino mufaro; saka idai zvokwadi norugare.’ ”