Zechariah 9:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaparadza ŋgoro pakati paEfraimi, namabiza paJerusarema; ʋuta bgokurwa ʋucaparadzwa; ucataurira ndudzi dzaʋanhu rugare; ʋushe bgake ʋucabva paguŋgwa kuȿikira paguŋgwa, nokubva kuRwizi kuȿikira kumigumo yenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, namabhiza ehondo kuJerusarema, uye uta hwehondo huchavhuniwa. Achaparidzira ndudzi rugare. Ushe hwake huchabva kugungwa, huchisvika kugungwa uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndichaparadza ngoro yehondo mudzinza rokwaEfuremu nebhizawo rehondo muJerusaremu uye uta hwehondo huchaparadzwawo. Iye achatiwo kumarudzi ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga kubvira kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi kudzamara kwakaperera nyika chaiko.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.”
Shona 2009?
"Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika."
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.”