Zechariah 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakaɀikuŋgira Juda soʋuta, ndikaisa’mo Efraimi semiseʋe; ndicamutsa ʋanakomana ʋako, iwe Zioni, ʋarwe naʋanakomana ʋako, iwe Girisi; ndicakuita somunondo wemhare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu, uye ndichaizadza naEfuremu. Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, kuti varwise, vanakomana vako, iwe Girisi; uye ndichakuita somunondo wemhare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndakakunga vokwaJudha souta hwangu, vokwaEfuremu ndikavaita museve wacho. Iwe guta reZioni ndichavhevhetesa vanakomana vako pamusoro pavanakomana vako iwe nyika yeGirisi, uye ndichakuvheyesa sebakatwa romurwi wehondo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.”
Shona 2009?
Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.”