Zechariah 9:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tire rakaɀiʋakira nhare, rikaɀiʋuŋganidzira sirveri seguruʋa, nendarama yakaiȿo‐naka samatope ari munzira dzomumusha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tire yakazvivakira nhare; yakaunganidza sirivha seguruva uye goridhe samarara omumugwagwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guta reTire rakazvivakira nhare dzaro dzokuzvidzivirira kuhondo rikaunganidzawo sirivha sevhu uye nendarama samatope omumugwagwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.
Shona 2009?
Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.
Shona SUB 2002 Bible
Taya rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.