Zechariah 9:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ashkeroni ricaɀiʋona, ndokutya; ʋuye Gaza ʋo, rikarwadziwa ɀikuru; ʋuye Ekroni, nokuti ricanyadziswa paneɀarakatarira; mambo ucaparara paEkroni, Ashkeroni hariŋgagarwi naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ashikeroni richazviona, rigotya; Gaza richatambura mukurwadziwa, neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera. Gaza richarasikirwa namambo waro uye Ashikeroni haringavi navanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ashikeroni ichazviona igodedera kutya, Gazawo ichamonyoroka ichirwadzwa kwazvo nazvo, pamwechetewo neEkironi nokuti zvayaitarisira zvakangaidzika. MuGaza muchasara musisina mambo Ashikeroni richasara risisina vageremo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.
Shona 2009?
Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.