Zephaniah 1:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kucanzwika mhere inobva pasuʋo rehoʋe, nokucema kunobva kurutiʋi rutȿa rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuchema kuchanzwika kubva kuSuo reHove, kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pazuva iroro ndizvo zviri kutaura Tenzi kucharira mhere kuSuo Guru reHove kuungudza kuchibva kumana rechipiri, kungondomoka kukuru kuzvikomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo.
Shona 2009?
"Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo,
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuwo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo.