Zephaniah 1:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Fuma yaʋo icaitwa ɀakapambga, nedzimba dzaʋo matoŋgo; ɀirokwaɀo, ʋacaʋaka dzimba, asi haʋaŋgagari’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, asi haʋaŋganwi waini yayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Upfumi hwavo huchapambwa, dzimba dzavo dzichaputswa, vachavaka dzimba, asi havangagari madziri; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinhu zvavo zvichapambwa dzimba dzavo dzichaparadzwa kunyange zvavo vakavaka dzimba havazombodzigari. Kunyange zvavo vakasima minda yemagirepisi, waini yacho havainwi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pfuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yayo.
Shona 2009?
fuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizarnbiringa, asi havangamwi waini yayo.
Shona SUB 2002 Bible
Pfuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yayo.