Zephaniah 1:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kunaJuda, nokunaʋose ʋagere Jerusarema; ndicabvisa ʋakasara ʋaBaari panɀimbo ino, nezita raʋaKemarimi pamŋe cete naʋaprista;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema. Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari, mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndichasumudzira vokwaJudha shamhu yoruoko rwangu uye vagari veJerusaremu vose zvavo. Ndichatsakatisawo munzvimbo ino vokwaBhaari vakasara uye nezita revapristi vanonamata zvifananidzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapristi;
Shona 2009?
"Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navaprista;
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapristi;