Zephaniah 2:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀipfuwo ɀicaʋata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenuŋgu ɀicaʋata pamisoro yembiru dzaro; inzwi rokurira kwaɀo ricanzwika pamawindi; kuparadzwa kucaʋa’po paɀikumbaridzo; nokuti wakafukunura ɀakaʋezwa ɀemisidari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mapoka amakwai nemombe zvichavata pasi imomo, nezvipuka zvamarudzi ose. Zizi romurenje nezizi romurwizi zvichavata pamusoro pembiru dzavo. Kudana kwazvo kuchaungira nomumawindo, marara achava pamisuo yavo, mapango omusidhari achasiyiwa pachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Matanga emombe acharara zvawo pakati paro, mhuka dzose dzesango magora nenjiri zvose zviri zviviri zvichagara pambiru dzaro, kuchema kwezizi kuchinzwika mumawindho gunguo richachema riri pamusuo mapango emusidhari achanzi panze yacha kufukurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamawindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo; nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.
Shona 2009?
Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamahwindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo, nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamahwindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo; nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.