Zephaniah 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iri ndiro guta raigara nomufaro risinehanya, raiti mumŋoyo maro: Ndini, hakucinomumŋe kunze kwaŋgu! Haiwa, raitwa ɗoŋgo sei, nɀimbo inoʋata mhuka! Mumŋe nomumŋe unopfuʋura napo ucaridza muridzo, acizunuŋgusa ruʋoko rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iri ndiro guta risina hanya raigara vakachengetedzeka. Rakati mumwoyo maro, “Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.” Razova dongo rakadii, nzvimbo inovata mhuka dzesango! Vose vanopfuura napariri vanoseka Uye vanokunga zvibhakera zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndirorika guta ramafaro rakanga rigere pamutambaratede rokumbozviti, “Ndini pano, ini chete, hakuna kana mumwezve.” Hero rava renje zvaro dambiro remhuka dzesango. Munhu wose anopfuura nepariri achashamiswa achirasa-rasa maoko ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, ‘Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu!’ Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake.
Shona 2009?
Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, `Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu!' Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, ‘Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu!’ Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake.