Zephaniah 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro hauŋganyadziswi pamsoro pamaɓasa ako ose, awakandiɗarikira nawo; nokuti neŋguʋa iyo ndicabvisa pakati pako ʋanhu ʋako ʋanofarisisa ʋaciɀikudza; hauŋgazoʋi namanyawi pagomo raŋgu tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira, nokuti ndichabvisa kubva muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo. Hamungazovizve namanyawi pagomo rangu dzvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva iroro hamuchazonyadziswi nezviito zvamakandipandukira nazvo nokuti ipapo ndichabvisa pakati penyu vose vanozvikudza vachizvibhebhesa. Hamuzozvitutumadza mugomo rangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva iro haunganyadziswi pamusoro pamabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nokuti nenguva iyo ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza; haungazovi namanyawi pagomo rangu tsvene.
Shona 2009?
Nezuva iro haunganyadziswi pamusoro pamabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nokuti nenguva iyo ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza; haungazovi namanyawi pagomo rangu dzvene.
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva iro haunganyadziswi pamusoro pamabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nokuti nenguva iyo ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza; haungazovi namanyawi pagomo rangu tsvene.