Zephaniah 3:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakabvisa ɀawakatoŋgerwa, wakadziŋga muʋeŋgi wako; mambo waIsraeri, iye Jehova, uri pakati pako, hauŋgazoʋoni ɀe ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, adzinga muvengi wako. Jehovha, Mambo waIsraeri, anewe; hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi abvisa kurangwa kwako kwakakumirira, vavengi vako avadzinga. Mambo weIsiraeri, Tenzi ari pakati pako hapana chakaipa chauchazotyazve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa.
Shona 2009?
Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa.