Zephaniah 3:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo ndicakuʋuyisai, neŋguʋa iyo ndicakuʋuŋganidzai, nokuti ndicakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika, kana ndicidzosa kutapxa kwenyu, imi muciɀiʋona — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; Panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Panguva iyoyo ndichakudzorerai kumusha, panguva yacho yandinenge ndakuunganidzai pamwechete. Honguka ndichaita kuti muve nembiri nokurumbidzwa pakati pamarudzi ose avanhu vepanyika pandinenge ndokudzorerai kubudirira kwenyu muchitozviona.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Shona 2009?
Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imwi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha.”