bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 John 1
2 John 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
1
Mukuru kunamai ʋakasanaŋgurwa naʋana ʋaʋo ʋandinoɗa neɀokwaɗi; ndisati ndiri ini ndoga, asi naʋose ʋo ʋanoziʋa ɀokwaɗi;
2
nokuɗa kweɀokwaɗi, inogara matiri, icagara ʋo nesu nokusiŋgaperi.
3
Nyasha, neŋgoni, norugare ɀicaʋa nesu, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, nokunaJesu Kristu, Mŋanakomana waƂaɓa, muɀokwaɗi noruɗo.
4
Ndinofara ɀikuru, nokuti ndakawana ʋamŋe ʋana ʋenyu ʋacifamba muɀokwaɗi, seɀatakarairwa naƂaɓa.
5
Ɀino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisiŋgaiti sendinokunyorerai murairo mutȿa, asi uyo watakaŋga tinawo kubva pakutaŋga, wokuti tiɗane.
6
Ndirwo ruɗo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, seɀamakanzwa kubva pakutaŋga, kuti mufambe mauri.
7
Nokuti ʋanyeŋgeri ʋazhinji ʋakaɓuɗira munyika, ʋasiŋgapupuri kuti Jesu Kristu wakaʋuya panyama. Ndiye munyeŋgeri naantikristu.
8
Ɀicenjerei imi, kuti murege kurashikirwa neɀatakaɓatira, asi kuti mupiwe muɓairo wakakwana.
9
Mumŋe nomumŋe, unotuŋgamirira ʋamŋe, asiŋgarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMŋari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa, ndiye unaƂaɓa noMŋanakomana.
10
Kana mumŋe aciʋuya kwamuri, asiŋgaʋuyi nokudzidzisa uku, musamugamucira mumba, kana kuti kwaari, Kwaziwa!
11
Nokuti unoti kwaari, Kwaziwa! unofambidzana naye pamaɓasa ake akaipa.
12
Kunyaŋge ndineɀizhinji ɀandaiɗa kukunyorerai, handiɗi kunyora neŋwadi neiŋgi; asi ndinotarira kuti ndicaʋuya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13
Ʋana ʋomunuŋuna wenyu ʋakasanaŋgurwa ʋanokukwazisai.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1