bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
3 John 1
3 John 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
1
Mukuru kunaGayo, muɗikanwa, wandinoɗa neɀokwaɗi.
2
Muɗikanwa, ndinokunyeŋgetera kuti ufare paɀinhu ɀose, ʋuye uʋe mukukutu, sokufara kwomŋeya wako.
3
Nokuti ndakafara ɀikuru hama dziciȿika dzicipupurira ɀokwaɗi yako, dziciti, unofamba muɀokwaɗi.
4
Handinomufaro unopfuʋura uyu, wokuti ndinzwe kuti ʋana ʋaŋgu ʋanofamba muɀokwaɗi.
5
Muɗikanwa, unoɓate‐ɓasa rakatendeka paɀinhu ɀose ɀaunoitira hama naʋaeni ʋo;
6
ʋakapupurira ruɗo rwako pamberi pekereke; ucaita ɀakanaka kana uciʋaperekedza nomutoʋo wakafanira Mŋari.
7
Nokuti ʋakaɓuɗa nokuɗa kweZita rake, ʋasiŋgatori cinhu kuʋahedeni.
8
Naiɀoɀo isu tinofanira kugamucira ɀakanaka ʋakaɗaro, kuti tiɓatsirane paɀokwaɗi.
9
Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoɗa kuʋa mukuru pakati paʋo, unotiramba isu.
10
Naiɀoɀo, kana ndiciʋuya, ndicayeʋudza maɓasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; ʋuye, haatendi naiɀoɀo ɓedzi, iye amene haagamuciri hama, ʋuye ʋakaŋga ʋaciɗa haʋo unoʋadziʋisa nokuʋadziŋga mukereke.
11
Muɗikanwa, usateʋera cakaipa, asi cakanaka. Uyo, unoita ɀakanaka, ndowaMŋari; unoita ɀakaipa, haana‐kuʋona Mŋari.
12
Demetrio unopupurirwa naʋanhu ʋose, ʋuye neɀokwaɗi imene; nesu tinopupura ʋo, iwe unoziʋa kuti kupupura kweɗu ndokwaɀokwaɗi.
13
Ndakaŋga ndineɀizhinji ɀandaiɗa kukunyorera, asi handiɗi kukunyorera. neiŋgi nepeni;
14
asi ndinotarira kuti ndicakurumidza kukuʋona, tigotaurirana nomuromo.
15
Rugare ŋgaruʋe newe. Hama dzinokukwazisa. Ndi kwazisire hama, mumŋe nomumŋe nezita rake.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1