bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Habakkuk 3
Habakkuk 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Munyeŋgetero womuprofita Habakuki, unoimbga neShigionoti.
2
Haiwa, Jehova, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Haiwa, Jehova, mutsai ɓasa renyu pakati pamakore; Riziʋisei pakati pamakore; Pakutsamŋa kwenyu raŋgarirai nyasha.
3
Mŋari unoʋuya acibva Temani, Naiye Mutȿene acibva pagomo reParani. Sera. Ʋumambo bgake ʋunofukidza ɗeŋga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake.
4
Kupenya kuri’po kwakafanana neciedza; Bgerazuʋa ʋunoɓuɗa paruʋoko rwake, Simba rake rinoʋanda’po.
5
Hosha yakaipa inomutuŋgamirira, Mazimbe omŋoto anoɓuɗa patsoka dzake.
6
Unomira aciyera nyika; Unotarira, ndokuparadza marudzi aʋanhu; Makomo asiŋgaperi anopararira; Ɀikomo ɀisiŋgaperi ɀinokotama; Nzira dzake ndedzekare‐kare.
7
Ndinoʋona matente eKushani ari panhamo; Miceka yamatente enyika yeMidiani anoɗeɗera.
8
Ko Jehova wakatsamŋira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamŋa kwenyu kwakamukira guŋgwa here, Ɀamunotaȿa mabiza enyu, Mucifamba neŋgoro dzenyu dzoruponeso?
9
Ʋuta bgenyu bgakafukurwa kwaɀo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Sera. Makaparura nyika nenzizi.
10
Makomo akakuʋonai akatya, Kuɗira kwemvura kwakapfuʋura; Pakadzika pakaɓuɗisa inzwi rapo, Pakasimudzira maʋoko apo kumsoro.
11
Zuʋa nomŋedzi ɀakamira paʋugaro bgaɀo, Ɀiciʋona ciedza cemiseʋe yenyu icipfuʋura, Ɀiciʋona kupenya kwepfumo renyu rinobginya.
12
Makatsika nyika makatsamŋa, Makapura ndudzi munehasha.
13
Makaɓuɗa kuzoponesa ʋanhu ʋenyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuʋadza musoro weimba yowakaipa, Mucifukura nheyo kuȿikira kumutsipa wayo. Sera.
14
Makabvoʋora misoro yaʋarwi ʋake namapfumo ake; Ʋakaʋuya secampupuri kundiparadza; Kufara kwaʋo kwakaita sokwaʋanopedza ʋarombo pakaʋanda.
15
Makatsika guŋgwa namabiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji.
16
Ndakanzwa, muʋiri waŋgu ukaɗeɗera, Miromo yaŋgu yakaɗeɗera ndicinzwa inzwi; Kuʋora kwakapinda mumafupa aŋgu, ndikaɗeɗera pandakaŋga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuʋa renjodzi ndinyerere, Kana iye, unozorwa naʋanhu, aciʋawira.
17
Nokuti kunyaŋge muʋonde ukasatuŋga maruʋa, Nemizambiriŋga ikashaiwa ɀiɓereko, Kunyaŋge kuɓereka kwomuorivi kukakona, Neminda ikasaɓereka ɀokudya; Kunyaŋge makwai akapera mucirugu, Neŋombe dzikashaikwa mumataŋga,
18
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicafara kwaɀo munaJehova, Ndicaʋa nomufaro munaMŋari woruponeso rwaŋgu.
19
Jehova Ishe isimba raŋgu, Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe se tsoka dzehadzi yenondo, Unondifambisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Kumutuŋgamiriri wokuimba, nemiteŋgeranwa yaŋgu.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3