bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Obadiah 1
Obadiah 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
1
Ɀakaʋonekwa naObadia. Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paEdomi: Takanzwa mashoko akabva kunaJehova, nhume yatumŋa pakati pamarudzi, iciti: Simukai, ŋgatiʋamukire kuzorwa naʋo.
2
Tarirai, ndakakuitai ʋaɗuku pakati pamarudzi, makaɀidzwa kwaɀo.
3
Kuɀikudza kwemŋoyo yenyu kwakakunyeŋgerai, iyemi, mugere mumikaha yamatombo, munoʋugaro bgakakwirira, ʋanoti mumŋoyo yaʋo: Ndianiko uŋgatiwisira pasi?
4
Kunyaŋge mukabururukira kumsoro segondo, ʋuye kunyaŋge ɗendere renyu rakaiswa pakati penyeredzi, ndicakuwisirai’po pasi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
5
Ƌai mbava dzaiȿika kwamuri, kana makororo ʋusiku (haiwa, makaparadzwa sei!) haʋazaiɓa kuȿikira ʋariŋganiswa here? Ƌai ʋatanhi ʋamazambiriŋga ʋaiȿika kwamuri, haʋazaisiya mamŋe mazambiriŋga ari’po here?
6
Ɀinhu ɀa Esau ɀakanɀerwa sei! Fuma yaʋo, yakaʋanzwa, yakafukunurwa sei!
7
Ʋanhu ʋose ʋaiʋa nesuŋgano nemi, ʋakakuperekedzai kuȿikira kumuganho; ʋanhu, ʋaigara norugare nemi, ʋakakunyeŋgerai, ʋakakukundai; ʋanodya ɀokudya ɀenyu, ʋanokuteyerai musuŋgo pasi penyu, haʋanenjere mukati maʋo.
8
Ko handiŋgaparadzi nezuʋa iro ʋacenjeri pakati paEdomi, nenjere pagomo raEsau here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
9
Mhare dzako, iwe Temani, dzicavunduka, kuti ʋose ʋapere nokuʋurawa pagomo raEsau.
10
Ucafukidzwa nokunyara nemhaka yokuti wakamukira munuŋuna wako simba, ucaparadzwa nokusiŋgaperi.
11
Nezuʋa ramakaŋga mumire’po makatarisana naʋo, nezuʋa raʋakatorerwa fuma yaʋo naʋatorwa, ʋasi ʋenyika iyo ʋacipinda masuʋo aʋo, ʋacikanda mijenya pamsoro peJerusarema, nemi ʋo makaŋga makaita somumŋe waʋo.
12
Asi regai kutarira zuʋa romunuŋuna wenyu, mucifarira zuʋa renjodzi yaʋo, murege kufara pamsoro paʋana ʋaJuda nezuʋa rokuparadzwa kwaʋo; ʋuye regai kutaura muciɀikudza nezuʋa rokumanikidzwa kwaʋo.
13
Regai kupinda pasuʋo raʋanhu ʋaŋgu nezuʋa renhamo yaʋo; regai kutarira njodzi yaʋo nezuʋa renhamo yaʋo, regai kuʋatorera fuma yaʋo nezuʋa renhamo yaʋo.
14
Regai kumira pamharadzano, kuti muparadze ʋanhu ʋaʋo ʋanopukunyuka; regai kuisa kuʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋanhu ʋaʋo ʋakasara nezuʋa rokumanikidzwa kwaʋo.
15
Nokuti zuʋa raJehova rasweɗera kumarudzi ose; seɀamakaitira ʋamŋe, mucaitirwa ʋo saiɀoɀo; ɀamakaita ɀicadzokera pamisoro yenyu.
16
Nokuti seɀamakanwa pagomo raŋgu dɀene, saiɀoɀo marudzi ose acaramba acinwa; ɀirokwaɀo, ʋacanwa, nokumedza, ʋacaita saʋasina‐kumboʋa’po.
17
Asi pagomo reZioni ndi’po pacaʋa naʋakapukunyuka, ricaʋa gomo dɀene; imba yaJakobo icadzoserwa nhaka yayo.
18
Imba yaJakobo icaʋa mŋoto, imba yaJosefa muraɀo womŋoto, ʋuye imba yaEsau mashaŋga; ʋacapisa ʋamŋe pakati paʋo, nokuʋapedza; hakucinaʋacasarira imba yaEsau, nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.
19
Ʋokurutiʋi rwezasi ʋacatora gomo raEsau, ʋokumapani ʋacatora nyika yaʋaFiristia; ʋacatora nyika yaEfraimi nenyika yeSamaria; Benjamini ʋacatora nyika yeGireadi.
20
Ʋatapxa ʋehondo iyi yaʋana ʋaIsraeri, ʋagere pakati paʋaKanani, ʋacatora nyika kuȿikira Zarefati; ʋatapxa ʋeJerusarema, ʋari Sefaradi, ʋacatora maguta okurutiʋi rwezasi.
21
Ʋaponesi ʋacakwira pagomo reZioni kuzotoŋga gomo raEsau; ʋushe ʋucaʋa bgaJehova.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1