bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Philemon 1
Philemon 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
1
Pauro, musuŋgwa waKristu Jesu, naTimotio, hama yeɗu, kunaFiremoni, muɗikanwa weɗu nounoɓata nesu,
2
nokunaApfia, hanɀadzi yeɗu, nokunaArkipo, murwi pamŋe cete nesu, nokukereke iri mumba mako:
3
Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
4
Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa dzose, kana ndicikuraŋgarira pakunyeŋgetera kwaŋgu,
5
ɀandinonzwa ɀoruɗo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuʋatȿene ʋose;
6
kuti kugoʋana kwokutenda kwako kuʋe nesimba, kuti ɀakanaka ɀose ɀiri mukati meɗu kunaKristu ɀizikanwe;
7
nokuti ndakaŋga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuɗa kworuɗo rwako, nokuti mŋoyo yaʋatȿene yakazorodzwa newe, hama yaŋgu.
8
Naiɀoɀo, kunyaŋge ndisiŋgatoŋgotyi munaKristu kukuraira kuita ɀakafanira,
9
kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kworuɗo ndinoita ɀokukumbira ɀikuru, ɀandakaɗai haŋgu, ini Pauro, mutana, ʋuye ɀino musuŋgwa waKristu Jesu.
10
Ndinokumbira ɀikuru kwauri pamsoro pomŋana waŋgu, wandakaɓereka pakusuŋgwa kwaŋgu, Onesimo,
11
wakaŋga asiŋgakuɓatsiri kare, asi ɀino unokuɓatsira ɀikuru, iwe neni;
12
ndinomudzosera kwauri, iye amene, mŋoyo waŋgu caiwo;
13
ndaiɗa kuti agare neni, kuti panɀimbo yako andishumire pakusuŋgwa kwaŋgu nokuɗa kweEvaŋgeri;
14
asi ndakaŋga ndisiŋgaɗi kuita cinhu, iwe usati watenda, kuti ɀakanaka ɀauŋgaita ɀirege kuitwa nokuroʋererwa, asi nokuɗa kwako.
15
Nokuti ɀimŋe wakaparadzaniswa newe ciŋguʋa nemhaka iyi, kuti ugozoʋa naye nokusiŋgaperi;
16
arege kuzoʋa muranda, asi munhu unopfuʋura muranda, aʋe hama inoɗikanwa, munyama nomunaShe, ɀikuru kwandiri, asi ɀikuru kwaɀo kwauri.
17
Ɀino kana uciti ndiri mugoʋani newe, umugamucire seɀa uŋgandigamucira ini.
18
Asi kana akakuitira cinhu cisakarurama, kunyaŋge aneŋgaʋa newe, undiraʋireni iɀoɀo.
19
Ini Pauro, ndinoɀinyora noruʋoko rwaŋgu, ndicaripa; ndisiŋgareʋi haŋgu kuti pamsoro peɀose uneŋgaʋa kwandiri, ndiyewe umene.
20
Hoŋo, hama, ŋgandiʋe nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mŋoyo waŋgu munaKristu.
21
Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuterera kwako, ndiciziʋa kuti ucaita ʋo kupfuʋura pandinoreʋa napo.
22
Asi ndigadzirire ʋo pokugara, nokuti ndinotarira kuti mucandipiwa ini nokuɗa kwokunyeŋgetera kwenyu.
23
Epafrasi, musuŋgwa pamŋe cete neni munaKristu, unokukwazisa.
24
NaMarko, naAristarko, naDemasi, naRuka, ʋanoɓate‐ɓasa pamŋe cete neni.
25
Nyasha dzaShe Jesu Kristu ŋgadziʋe nomŋeya wenyu.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1