bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Chronicles 13
1 Chronicles 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 14 →
1
Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vechiuru chamazana navamazana, navatungamiriri vose,
2
Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, “Kana imi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yaIsiraeri, nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;
3
tidzoserezve areka yaMwari wedu kwatiri, nokuti hatina kuirangarira pamazuva aSauro.”
4
Ungano yose ikatenda kuzviita; nokuti vanhu vose vakati zvakanaka.
5
Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose, kubva paShihori irwo rukova rweIjipiti, kusvikira pavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwari paKiriatijearimi.
6
Dhavhidhi akakwira, iye navaIsiraeri vose, vakaenda Bhaara, ndiro Kiriatijearimi raiva raJudha, kuzotorapo areka yaMwari, iye Jehovha agere pamusoro pamakerubhi, pavanonamata Zita rake.
7
Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu; Uza naAhio vakafambisa ngoro.
8
Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakatamba pamberi paMwari nesimba ravo rose, nenziyo, nembira, nemitengerangwa, nengoma, namakandira, nehwamanda.
9
Zvino vakati vachisvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
10
Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, akamuuraya, nokuti akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; akafirapo pamberi paMwari.
11
Ipapo Dhavhidhi akaora mwoyo nokuti Jehovha akarova Uza; akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
12
Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati, “Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?”
13
Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwari kumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhiEdhomu muGiti.
14
Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhiEdhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvaakanga anazvo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29