bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Chronicles 35
2 Chronicles 35
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 36 →
1
Zvino Josia akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
2
Akagadza vapristi pamabasa avo, akavatsungisa pabasa reimba yaJehovha.
3
Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa vaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, “Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo waIsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.
4
Zvigadzirei, nedzimba dzamadzibaba enyu namapoka enyu, sezvakanyorwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri, nezvakanyorwa naSoromoni mwanakomana wake.
5
Mumire panzvimbo tsvene, sezvamakagoverwa nedzimba dzamadzibaba ehama dzenyu ivo vana vavanhu; imba imwe neimwe yamadzibaba avaRevhi ipiwe mugove wayo.
6
Muuraye gwayana rePasika, muzvinatse, mugadzirire hama dzenyu; kuti muite sezvakarehwa neshoko raJehovha nomuromo waMosesi.”
7
Ipapo Josia akapa vana vavanhu zvimwe zvipfuwo, mwakwayana nembudzana, zvose kuti zvive zvipiriso zvePasika, ivo vose vakanga varipo, vakasvika zviuru zvina makumi matatu, uye nzombe dzine zviuru zvitatu; izvi zvose zvakabva papfuma yamambo.
8
Namachinda ake akapawo nomwoyo wose kuna vanhu, navapristi, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vapristi zvipfuo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
9
NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
10
Basa rikagadzirwa saizvozvo, navapristi vakamira panzvimbo yavo, navaRevhi pamapoka avo, sezvavakanga varairwa namambo.
11
Ipapo vakauraya makwayana ePasika, vapristi ndokusasa ropa ravakapiwa navo, vaRevhi vakaavhiya.
12
Vakabvisa zvipiriso zvinopiswa, kuti vazvipe nemigove yedzimba dzamadzibaba avana vavanhu, kuti vazvibayire Jehovha, sezvakanyorwa mubhuku yaMosesi. Vakaita saizvozvo nenzombewo.
13
Vakagocha Pasika pamoto, sezvakanga zvarairwa; vakabika zvipiriso zvitsvene muhari, nomumakate, nomumakango, vakachimbidzika kuzviisa kuvana vose vavanhu.
14
Pashure vakazvigadzirira ivo navapristi; nokuti vapristi vanakomana vaAroni vakanga vachibayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku; saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navapristi, ivo vanakomana vaAroni.
15
Navaimbi ivo vanakomana vaAsafi, vakanga vari panzvimbo yavo, sezvavakanga varairwa naDhavhidhi, naAsafi, naHemani, naJedhutuni muoni wamambo; navarindi vakanga vari pamasuo ose, ivo havana kufanira kubva pamabasa avo, nokuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirira.
16
Basa rose raJehovha rikagadzirwa saizvozvo pazuva iro, rokuita Pasika, nokubayira zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, sezvakanga zvarairwa namambo Josia.
17
Zvino vana vaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.
18
Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosia, navapristi, navaRevhi, navaJudha navaIsiraeri vagere Jerusaremu.
19
Pasika iyo yakaitwa negore regumi namasere rokubata ushe kwaJosia.
20
Shure kwaizvozvo zvose, Josia agadzira temberi, Neko mambo weIjipiti akandorwa naKarikemishi paYufuratesi; Josia akandorwa naye.
21
Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, “Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza.”
22
Kunyange zvakadaro Josia akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.
23
Zvino vapfuri vouta vakapfura mambo Josia; mambo akati kuvaranda vake, “Ndibvisei, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.”
24
Ipapo varanda vake vakamubvisa pangoro yake, vakamuisa pangoro yake yechipiri yaakanga anayo, vakamuisa Jerusaremu; akafa, akavigwa mumahwiro amadzibaba ake. VaJudha vose neJerusaremu vakachema Josia.
25
Jeremiya akaita rwiyo rwokuchema Josia; navaimbi vose varume navaimbi vakadzi vakareva zvaJosia panziyo dzavo dzokuchema kusvikira nhasi; vakazviita tsika pakati paIsiraeri; tarirai zvakanyorwa panziyo dzokuchema.
26
Zvino mamwe mabasa aJosia, nezvakanaka zvaakaita, zvakanzwana nezvakanyorwa mumurayiro waJehovha,
27
nezvaakaita, zvokutanga nezvokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha.
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36