bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 John 1
2 John 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
1
Mukuru kuna mai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nechokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navosewo vanoziva chokwadi;
2
nokuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi.
3
Nyasha, nengoni, norugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba, nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi norudo.
4
Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.
5
Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murayiro mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane.
6
Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirayiro yake. Ndiwoyu murayiro, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7
Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu.
8
Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubayiro wakakwana.
9
Mumwe nomumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, anorambira mukudzidzisa, ndiye anaBaba noMwanakomana.
10
Kana mumwe achiuya kwamuri, asingauyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, “Kwaziwai!”
11
Nokuti anoti kwaari, “Kwaziwai!” Anofambidzana naye pamabasa ake akaipa.
12
Kunyange ndine zvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora netsamba neingi; asi ndinotarira kuti ndichauya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13
Vana vomunun'una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1