bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Thessalonians 2
2 Thessalonians 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nokuungana kwedu kwaari;
2
kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu, kana kuvunduswa, kana nomweya, kana neshoko, kana netsamba, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika;
3
ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa,
4
iye, anorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti anogara muTemberi yaMwari, achizviita Mwari.
5
Hamurangariri here kuti, ndichiri kwamuri, ndakakuudzai izvozvi?
6
Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake.
7
Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobata basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye anodzivisa zvino achibviswa.
8
Ipapo iye asakarurama achaonekwa, iye achaurawa naIshe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuonekwa kwokuuya kwake;
9
kuuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema,
10
nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.
11
Saka Mwari anovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema,
12
kuti vose vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe.
13
Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwi vaIshe, nokuti Mwari akakutsanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muutsvene hwoMweya nokutenda chokwadi.
14
Izvo zvaakakudanirai neVhangeri yedu, kuti muwane kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
15
Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirayiro yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
16
Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari Baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka,
17
ngavavaraidze mwoyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3