bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Amos 6
Amos 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 7 →
1
Vane nhamo vagere zvakanaka paZioni, navagere pakasimba mugomo reSamaria, ivo vanhu vane mbiri vorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsiraeri!
2
Pfuurirai Karine, muone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; zvino muende Gati ravaFirisitia; ivo vakakurira ushe hwohuno here? Nyika yavo ihuru kune yenyu here?
3
Iyemi, munoti zuva rakaipa richiri kure, muchiswededza zvigaro panoitwa nesimba;
4
imi, munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato hwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu;
5
munoimba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa, munozviitira zvinoridzwa saDhavhidhi;
6
imi, munonwa waini nemidziyo yokubayira, muchizora mafuta akaisvonaka; asi hamune hanya nokukuvadzwa kwaJosefa.
7
Naizvozvo zvino vachatapwa nowokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura.
8
Ishe Jehovha wakapika naiye amene ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo achiti, “Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, ndinovenga dzimba dzavo dzoushe; naizvozvo ndinoisa guta nezvose zvirimo kuvavengi vavo.”
9
Zvino kana varume vane gumi vakasara muimba imwe vachafa.
10
Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, “Kuchinomumwe newe here?” Iye akati, “Kwete!” Ipapo uchati, “Nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.”
11
Nokuti tarirai, Jehovha anoraira, iye achakoromora imba huru, neimba duku ichaita mitswe.
12
Ko mabhiza angamhanya paruware here? Ko pangarimwa nemombe here? Nokuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava;
13
iyemi, munofarira chinhu chisina maturo, muchiti, “Hatina kuzviwanira nyanga nesimba redu here?”
14
“Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imi imba yaIsiraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9