bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Ezekiel 3
Ezekiel 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 4 →
1
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chidya chaunowana; chidya rugwaro urwu rwakapetwa uende, undotaura neimba yaIsiraeri.”
2
Ipapo ndakashamisa muromo wangu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa.
3
Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, dyisa dumbu rako, ugutise hura hwako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa.” Ipapo ndikarudya, rukava mumukanwa wangu sohuchi nokuzipa.
4
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsiraeri, utaure kwavari mashoko angu.
5
“Nokuti hautumwi kurudzi runo mutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, asi kuimba yaIsiraeri;
6
hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.
7
Asi imba yaIsiraeri icharamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsiraeri vane huma dzakaoma, nomwoyo mikukutu.
8
Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo.
9
Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba.”
10
Akatiwo kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, uagamuchire mumwoyo mako, uanzwe nenzeve dzako.
11
Famba uende kuna vari mukutapwa, kuvana vavanhu vako, utaure navo uvaudze uti, ‘Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kana vachida kunzwa, kana vasingadi.’ ”
12
Ipapo Mweya akandisimudza, ndikanzwa shure kwangu mubvumo wokuunga kukuru, zvichiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake.”
13
Ndikanzwa mubvumo wamapapiro ezvipenyu, achigunzvana, nomubvumo wamakumbo engoro kumativi azvo, uri mubvumo wokuunga kukuru.
14
Ipapo Mweya wakandisimudza, ndokundibvisapo; ndikaenda ndine shungu, mweya wangu wakatsamwa; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu nesimba.
15
Zvino ndakasvika kuna vaiva mukutapwa paTeriabhibhi, vakanga vagere parwizi rwaKebhari, ipapo pavakanga vagere; ini ndikagarapo pakati pavo mazuva manomwe ndichishayiwa mashoko.
16
Zvino mazuva manomwe akati apera, shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti,
17
“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharire yeimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobva mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
18
“Kana ini ndikati kuno akaipa, ‘Zvirokwazvo uchafa,’ iwe ukasamunyevera, kana kutaura zvinonyevera akaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese upenyu hwake, munhu uyu akaipa achafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
19
Asi kana iwe ukanyevera akaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye achafira muzvakaipa zvake, asi iwe waponesa hako mweya wako.
20
“Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
21
“Asi kana ukanyevera munhu akarurama, kuti akarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.”
22
Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu ipapo, akati kwandiri, “Simuka, uende kubani, ndichataura newe ipapo.”
23
Zvino ndakasimuka, ndikaenda kubani, ndikaona kubwinya kwaJehovha kumirepo, kwakafanana nokubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; ndikawira pasi nechiso changu.
24
Ipapo Mweya akapinda mandiri, akandimisa namakumbo angu, akataura neni, akati kwandiri, “Enda, undozvipfigira mumba mako.
25
Asi iwe, Mwanakomana womunhu, tarira, vachauya nezvisungo kwauri, vachakusunga nazvo, kuti urege kubudira pakati pavo;
26
ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba.
27
Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nokuti ivo iimba inondimukira simba.’ ”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48