bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Ezra 7
Ezra 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
1
Zvino shure kwaizvozvo, Aritashasita mambo wePerisia achibata ushe, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,
2
mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhi,
3
mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,
4
mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,
5
mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, mupristi mukuru
6
uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurayiro waMosesi, akanga wapiwa naJehovha Mwari waIsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda kworuoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.
7
Navamwe vavana vaIsiraeri, navapristi, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, vakaenda Jerusaremu negore rechinomwe ramambo Aritashasita.
8
Akasvika Jerusaremu nomwedzi wechishanu pagore rechinomwe ramambo.
9
Nokuti akatanga kubva Bhabhironi nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, akasvika Jerusaremu nezuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuda kworuoko rwakanaka rwaMwari wake rwakanga ruri pamusoro pake.
10
Nokuti Ezira akanga ashingaira nomwoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsiraeri zvaakatema nezvaakatonga.
11
Zvino ndiwo mashoko en’wadhi iyo mambo Aritashasita yaakapa Ezira mupristi nomunyori iye munyori wamashoko emirairo yaJehovha nezvaakatemera Isiraeri,
12
“Aritashasita mambo wamadzimambo, kuna Ezira mupristi, munyori womurayiro waMwari wokudenga, wakakwana, namamwe mashoko akadai.
13
“Ini ndinotema chirevo, kuti vanhu vose vaIsiraeri, navapristi vavo, navaRevhi, vari paushe hwangu, vanoda nokuda kwazvo kuenda Jerusaremu, ngavaende havo newe.
14
Zvawatumwa namambo namakurukota ake manomwe kundobvunzisisa pamusoro paJudha neJerusaremu, sezvakarehwa nomurayiro waMwari wako uri muruoko rwako.
15
“Nokuenda nesirivha nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo Mwari waIsiraeri, iye agere Jerusaremu,
16
nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapristi, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomwoyo yavo;
17
zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondohwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paaritari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.
18
“Kana iri sirivha nendarama yakasara, itai nazvo sezvamunofunga, iwe nehama dzako, sezvinodikanwa naMwari wenyu.
19
Nemidziyo yaunopiwa kundobata nayo paimba yaMwari wako, uiise pamberi paMwari weJerusaremu.
20
Nezvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvinodikanwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, uzviripe uchitora paimba yepfuma yamambo.
21
“Ini, iyeni mambo Aritashasita, ndinoraira vachengeti vose vepfuma mhiri kworwizi, ndichiti, ‘Zvose Ezira mupristi, munyori womurayiro waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,
22
kusvikira pamatarenta esirivha ane zana, nezviyero zvine zana zvezviyo, namabhati ewaini ane zana, namabhati amafuta ane zana, nomunyu usingaverengwi.’
23
Zvose zvinorairwa naMwari wokudenga, ngazviitirwe zvakanaka imba yaMwari wokudenga; nokuti ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwirweiko?
24
Tinokuzivisaiwo, kuti kana vari vapristi vose, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, navaranda veimba iyi yaMwari, havangaripiswi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira.
25
“Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri kworwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.
26
Ani naani, asingadi kuita murayiro waMwari wako, nomurayiro wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutorongo.
27
“Jehovha Mwari wamadzibaba edu ngaakudzwe, iye akaisa chinhu chakadai mumwoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehovha iri Jerusaremu;
28
iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10