bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Genesis 7
Genesis 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 8 →
1
Zvino Jehovha wakati kuna Noa, “Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama pamberi pangu parudzi urwu.
2
Pamhuka dzose dzakanaka utore nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisina kunaka utore mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo;
3
napashiri dzedenga utore nomwe nomwe, jongwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika.
4
Nokuti kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanaisa mvura panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana; zvipenyu zvose zvandakaita ndichazviparadza panyika.”
5
Noa akaita zvose sezvaakarairwa naJehovha.
6
Noa wakanga ava namakore ana mazana matanhatu panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika.
7
Ipapo Noa wakapinda muareka, navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake, nokuda kwemvura zhinji.
8
Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisina kunaka, neshiri, nezvose zvinokambaira panyika,
9
zvakapinda kuna Noa muareka zviviri zviviri, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Noa.
10
Mazuva manomwe akati apfuura, mvura zhinji ikavapo panyika.
11
Pagore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzikadzika akadziurwa, namawindo edenga akazarurwa;
12
mvura zhinji ikanaya panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana.
13
Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNoa, nomukadzi waNoa, navakadzi vatatu vavanakomana vake pamwechete naye;
14
ivo, nemhuka dzose namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo, nezvinokambaira zvose zvinokambaira panyika namarudzi azvo, nezvinobhururuka zvose namarudzi azvo, neshiri dzose dzamarudzi ose.
15
Zvakapinda kuna Noa muareka, zviviri zviviri zvezvipenyu zvose zvinomweya woupenyu.
16
Zvose, zvakapinda, zvakapinda zvichiita mukono nehadzi, zvose zvipenyu, sezvaakarairwa naMwari, Jehovha akamuzaririra mukati.
17
Mvura zhinji ikavapo panyika mazuva ana makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.
18
Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafamba pamusoro pemvura.
19
Mvura ikakwirira kwazvo kwazvo panyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa.
20
Mvura ikakwirira kusvikira pamakubhiti ane gumi namashanu pamusoro pawo; makomo akafukidzwa.
21
Zvipenyu zvose zvaifamba panyika zvikafa, zvaiti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka, nezvinokambaira, zvose zvaikambaira panyika, navanhu vose;
22
zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwomweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvikafa.
23
Zvipenyu zvose, zvakanga zviri pasi pose, zvikaparadzwa, zvaiti, vanhu, nezvipfuwo, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; zvikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, nezvakanga zviri muareka naye.
24
Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuva ane zana namakumi mashanu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50