bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Hosea 1
Hosea 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 2 →
1
Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.
2
Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.”
3
Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.
4
Jehovha akati kwaari, “Mutumidze zita rinonzi ‘Jezireri,’ nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa reJezireri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri.
5
Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata weJezireri.”
6
Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, “Mutumidze iye zita rinonzi ‘Roruhama;’ nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwire.
7
Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.”
8
Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana.
9
Jehovha akati, “Mutumidze zita rinonzi ‘Roami;’ nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.”
10
Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu,” ndipapo pazvichanzi kwavari, “Muri vanakomana vaMwari mupenyu.”
11
Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika ino, nokuti zuva reJezireri richava guru.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14