bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Isaiah 51
Isaiah 51
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 50
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 52 →
1
“Nditeererei, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa.
2
Cherechedzai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji.
3
“Nokuti Jehovha akanyaradza Zioni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nezwi rokuimba.
4
“Ndinzwei, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu.
5
Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.
6
Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
7
“Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurayiro wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo.
8
Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguo, zviundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.”
9
Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura-gura Rahabhi, mukabaya chikara here?
10
Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, akashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vakadzikinurwa here?
11
Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchapera.
12
“Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa;
13
wakakanganwa Jehovha Muiti wako, akatatamura denga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uchingotya zuva rose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, kana achizvigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi?
14
Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa, haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi.
15
“Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
16
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ”
17
Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu, wakanwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha paruoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwazvo.
18
Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera.
19
Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei?
20
Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
21
Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi usina kubatwa newaini.
22
Zvanzi naShe wako Jehovha, naMwari wako, unoreverera vanhu vake, “Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwizve.
23
“Ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kwauri, ‘Kotama, tifambe napamusoro pako;’ iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha inofambwa navanhu.”
← Chapter 50
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 52 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66
Recommended Reading
Commentary
Isaiah Commentaries
→
Devotional
Isaiah Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Shona Bible , revised ) Study Bible
→