bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
James 2
James 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinoonekwa zvomunhu.
2
Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu ane mhete yendarama, akapfeka nguo dzakanaka, mukapindawo murombo, akapfeka nguo dzakaipa;
3
mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;”
4
ko hamuna kutsaura mumwoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here?
5
Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kutsanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda?
6
Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?
7
Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?
8
Asi zvino kana muchizadzisa murayiro woushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.
9
Asi kana muchitenda zvinoonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurayiro, muchinzi vadariki.
10
Nokuti munhu unochengeta murayiro wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva kunezvose.
11
Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurayiro.
12
Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurayiro wokusunungurwa.
13
Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunoasina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.
14
Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here?
15
Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, anoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe,
16
mumwe wenyu akati kwavari, “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute,” musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei?
17
Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.
18
Asi mumwe angati, “Iwe unokutenda, neni ndina mabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.”
19
Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwechete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera.
20
Zvino iwe munhu woupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa?
21
Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari?
22
Unoona kuti kutenda kwake kwakabata pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa;
23
rugwaro rukaitika, runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.”
24
Munoona kuti munhu anoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.
25
Saizvozvowo, Rakabhi, chipfeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendesa neimwe nzira?
26
Nokuti somuviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5