bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Nehemiah 5
Nehemiah 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
1
Zvino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati pavanhu navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.
2
Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana vedu tiri vazhinji; ngatipiwe zviyo, tidye, tirarame.”
3
Vamwezve vakati, “Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemidzambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.”
4
Vamwezve vakati, “Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemidzambiringa.
5
“Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nokuti minda yedu neminda yedu yemidzambiringa yatova yavamwe.”
6
Ipapo ndakatsamwa kwazvo ndichinzwa kuchema kwavo namashoko iwayo.
7
Zvino ndarangarira mumwoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, “Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake.” Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.
8
Ndikati kwavari, “Isu takadzikinura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here?” Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.
9
Ndikatiwo, “Chinhu chamunoita chakaipa; ko hamufaniri kufamba muchitya Mwari wedu, kuti tirege kushorwa navavengi vedu vahedheni?
10
Neniwo nehama dzangu navaranda vangu, takavapa chikwerete chemari nezviyo, tichireva mhindu. Haiwa, ngatirege mhindu iyo.
11
“Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemidzambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, wamakatora kwavari iri mhindu.”
12
Ipapo vakati, “Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita.” Zvino ndakadana vapristi, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.
13
Ndikazuzawo nguo dzangu, ndikati, “Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni!” Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.
14
Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.
15
Asi vabati vokutanga, vakanditangira, vairemedza vanhu, vachitora kwavari zvokudya newaini, uyewo mashekeri esirivha ana makumi mana; navaranda vavowo vaibata vanhu nehasha; asi ini handina kuita saizvozvo, nokuti ndakatya Mwari.
16
Uye, ndakarambira pabasa rorusvingo urwu, hatina kutongotenga nyika, navaranda vangu vose vakanga vakaunganawo pabasa.
17
Uye patafura yangu pakanga pana vaJudha navabati, varume vane zana namakumi mashanu, avo vaiuya kwatiri vachibva kuvahedheni vakanga vakatipoteredza vasingaverengwi.
18
Zvino zuva rimwe nerimwe kwaigadzirwa nzombe imwe, namakwai matanhatu akatsaurwa; ndaigadzirirwawo huku, uye kamwe pamazuva ane gumi waini zhinji yamarudzi ose; kunyange zvakadaro handina kukumbira zvokudya zvomubati, nokuti vanhu ava vakanga vachiremedzwa kwazvo nouranda.
19
Ndirangarirei, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka nokuda kwezvose zvandakaitira rudzi urwu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13