bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Philemon 1
Philemon 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
1
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti, hama yedu, kuna Firimoni, mudikanwi wedu noanobata nesu,
2
nokunaAfia, hanzvadzi yedu, nokunaAkipo, murwi pamwechete nesu, nokukereke iri mumba mako:
3
Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu.
4
Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose, kana ndichikurangarira pakunyengetera kwangu,
5
zvandinonzwa zvorudo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuvatsvene vose;
6
kuti kugovana kwokutenda kwako kuve nesimba, kuti zvakanaka zvose zviri mukati medu kuna Kristu zvizikanwe;
7
nokuti ndakanga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuda kworudo rwako, nokuti mwoyo yavatsvene yakazorodzwa newe, hama yangu.
8
Naizvozvo, kunyange ndisingatongotyi muna Kristu kukurayira kuita zvakafanira,
9
kunyange zvakadaro, nokuda kworudo ndinoita zvokukumbira zvikuru, zvandakadai hangu, ini Pauro, mutana, uye zvino musungwa waKristu Jesu.
10
Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo,
11
akanga asingakubatsiri kare, asi zvino anobatsira zvikuru, iwe neni;
12
ndinomudzosera kwauri, iye amene, mwoyo wangu chaiwo;
13
ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweVhangeri;
14
asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako.
15
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nokusingaperi;
16
arege kuzova muranda, asi munhu anopfuura muranda, ave hama inodikanwa, panyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri.
17
Zvino kana uchiti ndiri mugovani newe, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini.
18
Asi kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange ane ngava newe, undiravireni izvozvo.
19
Ini Pauro, ndinozvinyora noruoko rwangu, ndicharipa; ndisingarevi hangu kuti pamusoro pezvose une ngava kwandiri, ndiyewe umene.
20
Hongu, hama, ngandive nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mwoyo wangu muna Kristu.
21
Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura pandinoreva napo.
22
Asi ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti muchandipiwa ini nokuda kwokunyengetera kwenyu.
23
Epafirasi, musungwa pamwechete neni muna Kristu, anokukwazisa.
24
NaMako, naArisitakusi, naDhemasi, naRuka, vanobata basa pamwechete neni.
25
Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1