bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Zechariah 2
Zechariah 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
1
Zvino ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
2
Ipapo ndikati, “Unoendepiko?” Iye akati kwandiri, “Kundoyera Jerusaremu, ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”
3
Zvino tarira, mutumwa akanga achitaurirana neni, akabuda, mumwe mutumwa akandomuchingamidza,
4
akati kwaari, “Mhanya, undotaura nejaya iri, uti, ‘Jerusaremu richagara semisha isina masvingo, nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zvirimo.’
5
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ini ndichava kwariri sorusvingo rwomoto rwakapoteredza, ini ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’
6
“Nhai, imi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7
“Nhai, Zioni, tiza, iwe ugere nomukunda weBhabhironi.
8
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, ‘Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake.’ ”
9
Nokuti tarirai, ndichazunungusa ruoko rwangu pamusoro pavo, vachava chinhu chakapambwa kuna ivo vaivabatira; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma.
10
“Imba, ufare, iwe mukunda weZioni; nokuti tarira, ndinouya, ndichagara mukati mako,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11
Ndudzi zhinji dzichanamatira Jehovha nezuva iro, vakava vanhu vangu; ndichagara mukati mako, ipapo iwe uchaziva kuti ndiye Jehovha wehondo wakandituma kwauri.
12
Judha vachagarwa nhaka naJehovha, uchava mugove wake munyika tsvene, uchazvisanangurirazve Jerusaremu.
13
Nyararai imi nyama yose pamberi paJehovha; nokuti wamuka paugaro hwake hutsvene.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14