bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
1 Corinthians 5
1 Corinthians 5
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake.
2
Uye munozvikudza! Mungadai musingachemi here uye makatodzinga munhu anoita zvakadai kuti musayanana naye?
3
Kunyange zvangu ndisiri pakati penyu panyama, ndinemi mumweya. Uye ndatotonga kare pamusoro pomunhu akaita izvi, sokunonzi ndiripo.
4
Pamunoungana pamwe chete muzita raIshe Jesu, ndinemi mumweya, uye simba raIshe Jesu riripo,
5
isai munhu uyu kuna Satani, kuti nyama iparadzwe uye mweya wake ugoponeswa pazuva raShe.
6
Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose?
7
Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa.
8
Naizvozvo ngatiitei mutambo, tisingaiti nembiriso yakafa, mbiriso yoruvengo nokuipa, asi nechingwa chisina mbiriso, chingwa chokururama nezvokwadi.
9
Ndakunyorerai mutsamba yangu kuti murege kufambidzana nemhombwe,
10
handisi kureva vanhu venyika ino vanoita upombwe, kwete, kana vano ruchiva namakororo, kana vanonamata zvifananidzo. Nokuti kana zvadaro mungatobva panyika ino.
11
Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye.
12
Nokuti ibasa rangu here kuti nditonge avo vari kunze kwekereke? Hamufaniri kutonga avo vari mukereke here?
13
Mwari ndiye achatonga avo vari kunze. “Dzingai munhu akaipa uyu abve pakati penyu.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16