bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
2 Samuel 4
2 Samuel 4
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Zvino Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka.
2
Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini,
3
nokuti vanhu veBheeroti vakatizira kuGitaimu uye vakagarako savatorwa kusvikira nhasi.)
4
Jonatani mwanakomana waSauro aiva nomwanakomana aiva chirema makumbo ose. Aiva namakore mashanu panguva yakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani richibva kuJezireeri. Mureri wake akamusimudza akatiza, asi paaimhanya kuti aende, mwana akadonha akabva aremara. Zita rake ainzi Mefibhosheti.
5
Zvino Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti, vakabuda vakananga kumba kwa Ishi-Bhosheti, vakasvikako masikati zuva richipisa iye ari pakuzorora kwake kwamasikati.
6
Vakapinda mukati memba vachiita sevanondotora gorosi, ndokubva vamubaya napadumbu. Ipapo Rekabhu nomunun'una wake Bhaana vakabva vatiza.
7
Vakanga vapinda mumba panguva yaakanga akarara pamubhedha wake muimba yokurara. Pavakamubaya vakamuuraya, ndokugura musoro wake. Vakautora, ndokufamba usiku nenzira yeArabha.
8
Vakandosvika nomusoro wa IshiBhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu, uyo aida kutora upenyu hwenyu. Nhasi Jehovha atsivira ishe wangu mambo pamusoro paSauro navana vake.”
9
Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uyo akandinunura munjodzi dzose,
10
pandakaudzwa nomumwe murume kuti, ‘Sauro afa,’ iye achifunga kuti ari kuuya nenhau dzakanaka, ndakamubata ndikamuuraya paZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa pamashoko ake!
11
Ko, zvino zvichava sei, kana vanhu vakaipa vachinge vauraya munhu asina mhosva mumba make uye ari pamubhedha wake, handingatsvaki ropa rake pamaoko enyu here, kuti ndikubvisei panyika!”
12
Saka Dhavhidhi akarayira majaya ake, ivo vakavauraya. Vakadimura maoko namakumbo avo ndokurembedza miviri yavo padziva reHebhuroni. Asi vakatora musoro wa Ishi-Bhosheti vakandouviga muguva raAbhineri paHebhuroni.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24