bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Amos 4
Amos 4
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 5 →
1
Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria, imi vakadzi vanodzvinyirira varombo uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.”
2
Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti, “Zvirokwazvo nguva ichasvika yamuchatorwa nezvikokovono, vokupedzisira pakati penyu nezviredzo.
3
Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe, napakakoromoka masvingo, uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
4
“Endai kuBheteri mundotadza; endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu. Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani, zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu.
5
Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvonga muzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokungopa, zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri, nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
6
“Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7
“Ndakamisawo mvura kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe. Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete ndikasanayisa kune rimwe. Mumwe munda wakawana mvura mumwe wakashayiwa uye ukaoma.
8
Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura, asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9
“Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa, ndakairova nechirwere nokuvhuvha. Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10
“Ndakatumira hosha pakati penyu sezvandakaita kuIjipiti. Ndakauraya majaya enyu nomunondo, pamwe chete namabhiza enyu akapambwa. Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuwa kwemisasa yenyu, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11
“Ndakaparadza vamwe venyu sokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora. Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12
“Naizvozvo izvi ndizvo zvandichaita kwauri, Israeri, uye nokuti ndichaita izvi kwauri, gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.”
13
Iye anoita makomo, ndiye anosika mhepo, ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu, Iye anoshandura mangwanani akava rima, anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
Recommended Reading
Commentary
Amos Commentaries
→
Devotional
Amos Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→