bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Ecclesiastes 1
Ecclesiastes 1
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
1
Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:
2
Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.”
3
Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?
4
Marudzi anouya uye marudzi anoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.
5
Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.
6
Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo.
7
Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.
8
Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa.
9
Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva.
10
Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo.
11
Marudzi akapfuura haacharangarirwi; uye marudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozotevera.
12
Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.
13
Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.
14
Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.
15
Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi.
16
Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”
17
Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.
18
Nokuti muuchenjeri huzhinji muno kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12