bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Hebrews 1
Hebrews 1
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
2
asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.
3
Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
4
Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5
Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?”
6
Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7
Achitaura pamusoro pavatumwa anoti: “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.”
8
Asi pamusoro poMwanakomana anoti: “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
9
Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
10
Anotizve: “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
11
Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo.
12
Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.”
13
Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari: “Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?
14
Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13