bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Jonah 2
Jonah 2
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake.
2
Akati: “Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha, iye akandipindura. Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye imi makanzwa kuchema kwangu.
3
Makandikandira makadzika, mumwoyo chaimo megungwa, uye mvura zhinji ikandikomberedza; mafungu enyu ose namapopoma enyu ose zvakapfuura napamusoro pangu.
4
Ndakati, ‘Ndaraswa kubva pamberi penyu, asi ndichatarirazve ndakaringa kutemberi yenyu tsvene.’
5
Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa; pakadzikadzika pakandikomberedza; sora regungwa rakamonera musoro wangu.
6
Kumidzi yamakomo ndakanyura; nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi. Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba, imi Jehovha Mwari wangu.
7
“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene.
8
“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.
9
Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10
Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4