bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Leviticus 21
Leviticus 21
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 22 →
1
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaprista vanakomana vaAroni uti kwavari: ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa, achiitira kunyange ani zvake pakati pavanhu vake vanofa.
2
Kunze kwehama yepedyo yakaita samai kana baba vake, mwanakomana kana mwanasikana wake, mukoma kana munun'una wake,
3
kana hanzvadzi yake isina kuroorwa yaanochengeta sezvo asina murume nokuda kwaiyeyu angagona kuzvisvibisa.
4
Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavanhu vano ukama naye hwokuwanana, akadaro azvisvibisa.
5
“ ‘Vaprista havafaniri kuveurwa misoro kana kudimburira ndebvu dzavo kana kutema miviri yavo nyora.
6
Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo uye havafaniri kumhura zita raMwari wavo. Nokuti vanouyisa kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto, nezvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo vanofanira kuva vatsvene.
7
“ ‘Havafaniri kuwana vakadzi vakasvibiswa noufeve kana kuti vakarambwa navarume vavo nokuti muprista mutsvene kuna Mwari wake.
8
Mutsaurei somutsvene nokuti ndiye anouya nezvokudya zvaMwari wenyu. Mutsaurei somutsvene nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ini ndinokuitai vatsvene.
9
“ ‘Kana mwanasikana womuprista akazvisvibiswa nokuva chifeve, anonyadzisa baba vake; anofanira kupiswa mumoto.
10
“ ‘Muprista mukuru, uyo ari pakati pavakoma navanun'una vake, akadirwa mafuta okuzodzwa pamusoro pake uye akagadzwa kuti apfeke nguo dzouprista, haafaniri kurega bvudzi rake risina kukamiwa, kana kubvarura nguo dzake.
11
Haafaniri kupinda munzvimbo ine chitunha. Haafaniri kuzvisvibisa kunyange nokuda kwababa vake kana mai vake,
12
kana kubva munzvimbo tsvene yaMwari kana kuisvibisa, nokuti akakumikidzwa namafuta okuzodza aMwari wake. Ndini Jehovha.
13
“ ‘Mukadzi waanowana anofanira kunge ari mhandara izere.
14
Haafaniri kuwana chirikadzi, mukadzi akarambwa kana mukadzi akasvibiswa noufeve asi mhandara yakazara bedzi kubva kuvanhu vokwake,
15
kuitira kuti arege kuzosvibisa zvizvarwa zvake pakati pavanhu vokwake. Ndini Jehovha ndinomuita mutsvene.’ ”
16
Jehovha akati kuna Mozisi,
17
“Uti kuna Aroni, ‘Kumarudzi achatevera hakuna mumwe wezvizvarwa zvako akaremara angaswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.
18
Hapana munhu ano urema hupi zvahwo angaswedera pedyo: hakuna bofu kana anokamhina kana akaremara;
19
hakuna munhu ane gumbo rakaremara kana ruoko rwakaremara,
20
kana ane musana wakakombama, munhu akapfupikisa kana ano urema hwamaziso kana ane mamota kana ane mhezi, kana akakuvara manhu ake.
21
Hapana wechizvarwa chaAroni akaremara neipi nzira angaswedera pedyo kuzopa zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ano urema; haafaniri kuswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.
22
Angadya hake zvokudya zvitsvene-tsvene zvaMwari wake, pamwe chete nezvokudya zvitsvene;
23
asi nokuda kwourema hwake, haafaniri kusvika pedyo nechidzitiro kana kusvika paaritari, agosvibisa nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.’ ”
24
Saka Mozisi akataura izvi kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
Recommended Reading
Commentary
Leviticus Commentaries
→
Devotional
Leviticus Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→