bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Malachi 4
Malachi 4
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
“Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara.
2
Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu.
3
Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
4
“Rangarirai murayiro womuranda wangu Mozisi, mitemo nemirayiro yandakamupa paHorebhu kuti ipiwe vaIsraeri vose.
5
“Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika.
6
Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, uye mwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4
Recommended Reading
Commentary
Malachi Commentaries
→
Devotional
Malachi Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→