bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Mark 16
Mark 16
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.
2
Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,
3
uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”
4
Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.
5
Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.
6
Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
7
Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Iye afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ”
8
Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
9
Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.
10
Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye uye vakanga vachiungudza uye vachichema.
11
Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.
12
Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.
13
Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.
14
Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
15
Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.
16
Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.
17
Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;
18
vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
19
Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.
20
Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo uye akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16