bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Revelation 13
Revelation 13
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
1
Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa. Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. Chakanga chine nyanga gumi nemisoro minomwe, nekorona gumi panyanga dzacho, uye pamusoro mumwe nomumwe paiva nezita rokumhura.
2
Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru.
3
Mumwe wemisoro yechikara wakaita sowakuvadzwa kusvikira parufu, asi vanga raifanira kuchiuraya rakanga rapora. Nyika yose yakashamiswa uye ikatevera chikara.
4
Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?”
5
Chikara chakapiwa muromo wokutaura mashoko okuzvikudza neokumhura nokushandisa simba racho kwemwedzi makumi mana nemiviri.
6
Chakashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, uye kuti chituke zita rake nenzvimbo yake yokugara, neyaavo vanogara kudenga.
7
Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose.
8
Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.
9
Ane nzeve, ngaanzwe.
10
Kana munhu achifanira kupinda muutapwa, muutapwa achapinda hake. Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo, nomunondo achaurayiwa hake. Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.
11
Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato.
12
Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.
13
Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona.
14
Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama.
15
Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe.
16
Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo,
17
kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
18
Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22