bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Zechariah 4
Zechariah 4
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
1
Ipapo mutumwa akataura neni akauyazve kwandiri akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.
2
Akandibvunza achiti, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona chigadziko chomwenje chegoridhe rizere, chine mbiya pamusoro pacho nemwenje minomwe pamusoro pacho, mwenje mumwe nomumwe une mbombi nomwe.
3
Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya nomumwe kurutivi rworuboshwe kwayo.”
4
Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?”
5
Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.”
6
Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
7
“Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropfadze! Mwari ngaariropafadze!’ ”
8
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
9
“Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri.
10
“Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri. “(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)”
11
Ipapo ndakabvunza mutumwa ndichiti, “Ko, miti yemiorivhi miviri iyi iri kurudyi nokuruboshwe kwechigadziko chomwenje ndeyei?”
12
Uyezve ndakamubvunza kuti, “Ko, matavi aya maviri omuorivhi parutivi pembombi mbiri dzegoridhe dzinodurura mafuta egoridhe ndeei?”
13
Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.”
14
Saka akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa kuti vashumire Ishe wenyika yose.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14