bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 John 1
2 John 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
1
Ini mukuru wesangano, ndinokunyorerai imi amai makasarudzwa. Ndinokunyorerai imi pamwechete navana venyu musangano, imi vapamwoyo chaivo, kwete kwandiri chete, asi vapamwoyowo kuvanhu vose vanoziva chokwadi
2
pamusana pechokwadi chinogara matiri uye chichagara matiri nokusingaperi.
3
Nyasha netsitsi norugare ngazvive nesu zvichibva kuna Mwari Baba uye kuna Jesu Kristu Mwanakomana waBaba muchokwadi uye murudo.
4
Ndakafara kwazvo kuona vamwe vana venyu vachitevera chokwadi sokuudzwa kwatakaitwa naBaba.
5
Zvino ndinokukumbirai mai, kwete sokunge ndiri kukunyorerai nezvomutemo mutsva asi mutemo watakanzwa kubvira pakutanga wokuti tinofanira kudana.
6
Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo.
7
Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu.
8
Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere.
9
Ani naani anowedzera zvomusoro wake asingarambe ari mune zvinodzidziswa naKristu, haana Mwari. Munhu anoramba ari mune zvinodzidziswa naKristu ana Baba naMwanakomana.
10
Kana mumwe munhu akauya kwamuri aine chidzidziso chakasiyana nechichi musamupinze mumba kana kumukwazisa
11
nokuti anomukwazisa anodyidzana naye mubasa rake rakaipa.
12
Kunyange zvazvo ndiine zvakawanda zvokukunyorerai ndinosarudza kusashandisa pepa neingi. Ndinovimba kuti ndichauya ndozokuonai tozotaurirana tichionana uso nouso kuti kufara kwedu kunyatsozara kuti tuba.
13
Vana vomunun'una wenyu, akasarudzwa naMwari vanokukwazisai.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1