bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Timothy 4
2 Timothy 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Ndinokukomeresa pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu achazotonga vapenyu navakafa, pamberi paiye achazozviratidza muumambo hwake.
2
Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa.
3
Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda.
4
Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano.
5
Iwe ramba wakasimba, tirira matambudziko. Ita basa romuparidzi weShoko Rakanaka. Ita basa rako.
6
Kana ndiri ini ndatosvika pokuti ndichiitwa chibayiro. Nguva yangu yokuenda yasvika.
7
Ini ndakarwisa zvakanaka; ndakapedza mujaho, ndakachengeta chitendero.
8
Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake.
9
Edza napaunogona kuuya kwandiri nokukurumidza
10
nokuti, Dhemasi, pamusana pokuda zvapanyika pano, akanditiza akaenda kuTesaronika. Kiresenzia akaenda kuGaratia. Titosi akaendawo Dharimatia.
11
Ruka chete ndiye aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anobatsira kwazvo nokundishandira kwaanoita.
12
Tikikusi ndakamutuma kuEfeso.
13
Kana wouya ndivigirewo bhachi randakasiya naKariposi kuTiroasi uye mabhuku zvikuru amatehwe ose okunyorera.
14
Arekizanda, mupfuri wesimbi akandiitira zvakaipa zvikuru. Tenzi achamutsividza zviito zvake.
15
Kana iwewo muchenjerere nokuti anopikisana kwazvo neshoko redu.
16
Pakutongwa kwangu kwokutanga hapana akamira neni, vose vakanditiza. Dai vangorega kupihwa mhosva nazvo.
17
Asi Tenzi ndiye akanditsigira akandipa simba kuti ndiparidze shoko zvizere kuti vechirudzi vose varinzwe. Ndizvozvo ndakanununurwa mukanwa meshumba.
18
Tenzi achandinunura kumabasa ose akaipa achindichengetedzera umambo hwake hwokudenga. Iye ngaarumbidzwe narini narini. Ameni.
19
Ndikwazisirewo Pirisika naAkwira nevemba yaOnesiforosi.
20
Erasitosi akasara Kukorinde. Tirofimosi ndakamusiya achirwara kuMiretusi.
21
Edza kuuya mwaka wechando usati wauya. Yubhurosi anokukwazisa naPudhenzi naRinusi naKiraudhia nevehama vose.
22
Tenzi ngaave newe. Chikomborero chenyasha ngachive newe.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4