bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Galatians 6
Galatians 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
1
Hama dzangu, kana mumwe wenyu apindwa nokukanganisa kwakadii zvako, imi vanamati, vanaMweya, mudzorei zvakapfava zvinyoro asi muchizvichenjererawo nokuti imi mungadaro mukaedzwawo.
2
Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu.
3
Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza.
4
Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe
5
nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo.
6
Munhu anenge achidzidziswa nomumwe shoko ngaagoverane zvinhu zvose zvakanaka nomudzidzisi wake.
7
Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa.
8
Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi.
9
Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo.
10
Naizvozvo patinenge tangowaniswawo nguva yacho ngatiitei zvakanaka kumunhu ari wose wose, asi zvikuru kune vemhuri yechitendero chedu.
11
Tarisai muone kuti ndiri kukunyorerai namabhi akakura sei uye ndichikunyorerai noruoko rwangu.
12
Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu.
13
Kunyange ivo vacho vanodzingiswa havachengeti zvisungo zvomutemo. Asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti vawane mukurumbira nezvakaitwa pamuviri penyu.
14
Kana ndirini, hazvifaniri kumbopinda mupfungwa dzangu kuti ndizvirovere dundundu chimwe chinhu kunze kwomuchinjikwa waTenzi Jesu Kristu wakaita kuti nyika ishaye maturo kwandiri sokurovererwa kwayo pamuchinjikwa uye kuti ini ndishaye maturo kwairi sokuroverwawo kwayo pamuchinjikwa.
15
Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakurevi chinhu asi chisikwa chitsva.
16
Rugare nengoni ngazvive kune vose vanofamba nenzira iyi nekune vaIsiraeri vaMwari.
17
Kubvira zvino ngaparege kuwana anonditambudza nokuti ndine mavanga aJesu.
18
Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu ngachive nemi hama dzangu. Ameni.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
All chapters:
1
2
3
4
5
6