bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Malachi 4
Malachi 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
“Chinzwai, hero zuva rinouya, “Zuva rinopisa sechoto. Ipapo vanhu vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava zvidzitsi zvazvo zvemashanga. Zuva iroro richauya racho richavaroromesa zvokuti harivasiyire mudzi kana bazi zvaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
2
Asi imi munotya zita rangu muchabudirwa nezuva roururami, zuva rine kuporesa mumapapiro maro. Muchaita chomurambamhuru semhuru dzinobuda muchirugu.
3
Izvozvo muchatsokodzera pasi vakaipa nokuti vachava madota zvawo pasi petsoka dzenyu pazuva racho randichaita zvandichaita. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
4
“Rangarirai mutemo womuranda wangu Mosesi murao uya nezvirevo zvandakamutemera kuHorebhu zvinosunga Isiraeri yose zvirevo nemirawo.
5
“Chinzwai, ndichakutumirai muporofita Eriya, zuva guru raTenzi rinotyisa iroro risati rasvika.
6
Iye achapindutsa mwoyo yamadzibaba kuti vanzwanane navana vavo uyewo kupindutsa mwoyo yavana kuitira kuti vanzwanane namadzibaba avo; nokuti ndingadaro ndikauya ndikapinza nyika murushambwa.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4