bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Obadiah 1
Obadiah 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
1
Zvakaoneswa Obhadhiya. Zvanzi naTENZI Mwari nezveEdhomu takanzwa shoko richibva kuna TENZI uye nhumwa iri kutumwa mukati memarudzi ichiti, “Simukai, ngatimumukirei timurwise.”
2
Chinzwai, “Ndichakuitai mudiki pakati pamarudzi. Muchashorwa zvikuru.
3
Mwoyo wenyu wokuzvikudza wakakurasisai imi mune musha womumapako mumikaha, mune musha uri pamusoro, imi munozviti nechomumwoyo. ‘Ndianiwo zvake angatikoromorere pasi.’
4
Kunyange zvazvo muri muchadenga imomo segondo, nyange movakira zvenyu dendere renyu pakati penyenyedzi, ikoko ndichakukoromorerai pasi. Ndizvo zviri kutaura TENZI.
5
“Kana mbavha dzikakuvinga kana kuti vapambi vousiku, handiti vanongotora chete zvinokwanirana navo? Kana vokukohwa magirepisi vakakuvinga handiti vanotosiyawo mamwe okufuhwa zvawo? Asi kuparadzwa kwamuchaitwa imi, aiwaiwa!
6
Tarisaiwo muone zvenyu kuparadzwa kwaitwa nyika yaEsau, upfumi hwayo hwapambwa.
7
Vamwe venyu vose vakakufurirai vakakudzingirai kumuganhu, shamwari dzenyu chaidzo dzakupandukirai zvino. Madzisahwira enyu chaiwo amunovimba nawo akuisirai chokukuteyai nacho hazvichambonzwisisiki.
8
“TENZI ari kuti nezuva iroro handisi kuzoparadza vangwaru muEdhomu here noruzivo muGomo rokwaEsau?
9
Magambawo enyu avarwi, imimi wokwaTemani, achadumbirwa zvokuti munhu wose wokuGomo rokwaEsau achapfuudzwa nebakatwa.
10
“Imi vokwaEsau pamusana poutsinye hwamakaita kuvanun'una venyu vokwaJakobho muchanyara imi nokusingaperi uye muchaparadzwa zvachose.
11
Pamusi uya wamakamirira kure vatorwa vachipamba upfumi hwevokwaJakobho, vatorwa vacho vachitopinda mumaguta avo, vachiitira Jerusaremu chin'ange imi maitoita somumwe wavo.
12
Asi mungadai musina kutonakidzwa nokuonerera zvenyu zuva ravanun'una venyu pazuva renyatwa dzavo mungadai musina kupembera kwazvo kufara nezvevanhu vokwaJudha nezuva rokuparara kwavo, mungadai musina kutozvitutumadza pamusi wenhamo iyoyo.
13
Hamaifanira kumbopinda henyu muguta ravanhu vangu pazuva repfumvu yavo. Hamaifanira kutonakidzwa nokuonerera kuparara kwavo pamusi wepfumvu yavo. Mungadai musina kumbopamba zvinhu zvavo pazuva repfumvu yavo.
14
Mungadai musina kundomirira pamharadzano muchipfuudza vainge votiza. Hamaifanira kudzosera kwakare vainge vapunyuka pamusi wenhamo yavo.
15
“Chiripo ndechichi chokuti zuva raTENZI riri kuzosvikira marudzi ose avanhu. Zvamunenge maitawo imi ndizvo zvichaitwawo kwamuri, zviito zvenyu zvichakupfukirai
16
nokuti sokudhakwa kwamakaita imi pagomo rangu rinoera, marudziwo ose omunharaunda imomo achararadzawo nawo. Vachanwa zvokudutira vagosara vava kunge vanhu vasina kana kumbovapo zvavo.
17
“Asi muGomo reZioni muchava navanenge vapunyuka uye richava gomo rinoera. Imbawo yokwaJakobho ichatora hayo zvinhu zvayo zvizova mumaoko mayo.
18
Imba yokwaJakobho ichava moto imba yokwaJosefi ichiva murazvo womoto imba yokwaEsau ichiva zvidzitsi zvamashanga. Ivo vachavapisa vagovaroromesa. Hapazova navanopunyuka kune vemba yokwaEsau nokuti TENZI ataura.
19
“Vanhu vokuNegevhu vachatora Gomo rokwaEsau kuriita ravo vanhuwo vokumanhika kuShefera vachitorawo nyika yavaFirisitia kuita yavo. Nyikawo yokwaEfuremu nenyikawo yeSamaria vachadzitora kuva mumaoko mavo uyewo vokwaBhenjamini vagotora havo dunhu rokwaGireadhi.
20
Hondo yenhapwa dzokwaIsiraeri iri kuHara ichatora hayo nyika yeFonisia kusvikira kuZarifati kuita zvavo nyika yavo. Nhapwawo dzokuJerusaremu dziri kuSefaradhi dzichatorawo maguta okuNegevhu kuaita adzo.
21
Vakundi vachakwira Gomo reZioni vachatonga gomo rokwaEsau umambo huchava hwaTENZI.”
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1