bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Philemon 1
Philemon 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
1
Ndini Pauro musungwa akasungirwa Kristu Jesu, tinokunyorera tiri pamwechete naTimoti hama yedu iwe Firimoni
2
mushandipamwe nesu wapamwoyo naApiya hanzvadzi yedu naAchipusi musoja pamwechete nesu nesangano rinonamatira pamba pako.
3
Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu.
4
Ndinotenda Mwari nguva dzose pandinokuyeuka muminamato yangu
5
nokuti ndinonzwa nezvorudo rwako kuvanhu vaMwari vose uye nechitendero chako chauinacho muna Tenzi Jesu.
6
Dai mubatirapamwe wako muchitendero wangobereka muchero wokuti iwe uzive zvakanaka zviri matiri kuitira Kristu
7
nokuti ndakawana rufaro rwakawanda nokusimbaradzwa zvichibva murudo rwako, iwe hama yangu nokuti wakaita kuti mwoyo yavanhu vaMwari ifaranuke.
8
Nezvo kunyange zvangu, muna Kristu, ndiine simba, rokukuudza zvokuita,
9
asi pamusana porudo, zviri nani kuti ndiite zvokukukumbira, iyeni Pauro harahwa kudai uyewo musungwa akasungirwa Kristu Jesu.
10
Ndinokuteterera ndichikumbirira mwana wangu Onesimo wandakabereka muusungwa hwangu.
11
Iye akanga ari munhu asina maturo kwauri asi iye zvino ave munhu ane basa kwauri nokwandiri.
12
Zvino ndava kumudzorera kwauri ndichimutumira somunhu wapamwoyo pangu chaiye,
13
Ndingadai ndakatosarudza kuramba ndiinaye kuno kuti andishandire panzvimbo pako nguva yandiri muusungwa kudai pamusana peShoko Rakanaka.
14
Asi ndakasarudza kuti ndirege kuva nechandinoita ndisina mvumo yako kuitira kuti kundiitira zvakanaka kwako kurege kuva kokumanikidzwa asi kuti kuve kwaunosarudza wakasununguka.
15
Pamwe ndizvo zvakaita kuti amboparadzaniswa newe kwekachinhambo kuti azodzorerwa kwauri zvachose,
16
kwete senhapwa asi atokosha kupinda nhapwa, ava munun'una wapamwoyo zvikuru kwandiri, ko kutozoti kwauri, inga mwana womumusha wani uyewo akakosha muna Tenzi.
17
Zvino kana iwe uchindiona sasahwira wako, mugamuchire sokundigamuchira kwaungandiite.
18
Kana pane chii zvacho chaakakunganisira kana kuti ane chikwereti newe chinyore pazita rangu sechikwereti.
19
Iyeni Pauro ndinosaina izvi noruoko rwangu kuti ndichachibhadhara tisingatauri zvedu zvechikwereti chako, chokuti iwe unotova nechikwereti kwandiri.
20
Hongu, hama ndinoda rubatsiro kwauri zvichibva muna Tenzi. Chindifaranutsawo mwoyo muna Kristu.
21
Pane zvokuteerera kwako ndine chivimbo newe. Ndinokunyorera ndichiziva kuti uchatoita zvinopfuura zvandiri kutaura.
22
Chimwezve ndechokuti ndigadzirirewo imba yavaenzi nokuti ndinotarisira kuti, ndichibatsirwa neminamato yenyu, ndichadzorerwa kwamuri.
23
Epafurasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu anokukwazisa,
24
uyewo Mariko naAristakusi naDhemasi naRuka vashandipamwe neni.
25
Tenzi Jesu Kristu ngaape chikomborero chenyasha kumweya wenyu.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1