bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ruth 2
Ruth 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Naomi uyu aiva nehama yomurume wake Erimereki yomumba, yainzi Bhoazi yaiva shoroma chaiyo yomurume.
2
Zvino Rute muMoabhu uyu akati kuna Naomi, “Regai ndiende zvangu kundofuhwa mbesanwa mumunda womunhu anenge andinzwirawo tsitsi.” Naomi akati, “Enda zvako mwanangu.”
3
Akasimuka akabva aenda kune mumwe munda akandofuhwa achitevera vakohwi. Zvakangoitikawo kuti munda iwoyo wakanga uri waBhoazi aiva wemhuri imwechete naErimereki.
4
Ndiyo nguva yakabva yasvikawo Bhoazi achibva kuBheterehemu. Akakwazisa vakohwi ivava achiti, “Tenzi ngaave nemi!” Ivo vakatiwo, “Tenzi ngaakukomborereiwo!”
5
Bhoazi akabvunza mushandi wake aitungamirira vakohwi kuti, “Ko mukadzi uyu ndowokwaani?”
6
Mushandi wake wokutungamirira vakohwi ndokuti, “Mukadzi wechiMoabhu akauya naNaomi paakadzoka achibva kuMoabhu,
7
akati, ‘Mungandibvumirewo here kufuhwa zvangu ndichitevera panenge pabva vakohwi, napane zvisote.’ Saka auya akashanda kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira iye zvino, angozorora kwekanguva kaduku mudumba umo.”
8
Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa mwanangu, chirega zvako kuzvinetsa nokusweroenda kundofuhwa kune mimwe minda, asi ramba wakati kwati navasikana ava.
9
Ziso rako ngarirege kubva pamunda wavanenge vachikohwa urambe uchingovatevera. Ndaudza vakomana ava kuti varege kuwana chakaipa chavanoita kwauri. Kana wava nenyota woendawo kumidziyo uko wondonwa mvura inenge yatekwa navashandi ava.”
10
Rute akapfugama ndokutyora uso akati, “Zvandibvira nepiko kuti mundiitirewo mwoyochena wakadai wokundicheukawo kudai ini zvangu mutorwa?”
11
Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.
12
Tenzi ngaakupe mubayiro wezvawakaita, upiwe mubayiro wakakwana chaiwo naTenzi, Mwari wavaIsiraeri mumapapiro ake mawakauya kuzopotera.”
13
Iye ndokuti, “Maita mwoyo wakanaka chaizvo kwandiri changamire nokuti mandigadzanisa mwoyo, uye mataura neni zvakanaka kwazvo kunyange zvazvo ndisiri mumwe wavasikana ava, vanokushandirai.”
14
Panguva yokudya, Bhoazi akati kuna Rute, “Chimbouya kuno udye chingwa uchichiseva muwaini.” Rute akauya akagara pedyo navakohwi. Bhoazi akamupa mbesanwa dzakakangwa, akadya akaguta zvokutosiyawo zvimwe.
15
Rute paakadzokera kundofuhwa, Bhoazi akataurira vakomana vake achiti, “Regai zvenyu mukadzi uyu afuhwe kunyange pazvisote murege kuita chakaipa kwaari chingamufumure.
16
Asi musvomhorerei dzimwe hura pazvisote izvozvo, muchimusiyira kuti afuhwe asi musamutsiure.”
17
Saka akafuhwa kusvikira manheru ndokubva apura bhari yaakanga afuhwa akawana bhari inorema makirogiramu ainge oda kusvika gumi.
18
Akaitakura akaenda nayo kuguta akandoratidza vamwene vake zvaakanga afuhwa. Akavaigirawo zvokudya zviya zvakasara paakadya akaguta.
19
Vamwene vake vakati kwaari, “Wafuhwa kupiko nhasi? Waita basa kupi? Ndiani zvake akucheukawo iyeyo?” Akataurira vamwene vake kuti ndokwavani kwaakanga ashanda. Akati, “Zita romurume wokwandashanda nhasi ndiBhoazi.”
20
Naomi akati kumuroora wake, “Tenzi ane mwoyochena usingaperi kuvapenyu kana vakafa, ngaakomborere murume iyeyo!” Naomi akatiwo, “Mufungeka murume iyeyo ihama yedu chaiyo yepedyo, mugariwo wedzinhaka dzomumusha medu.”
21
Rute muMoabhu uyu akati, “Murume iyeyo anditiwo, ‘Ramba wakati kwati navashandi vangu kusvikira vapedza kukohwa mbesanwa dzangu dzose.’ ”
22
Naomi akataurira muroora wake Rute achiti, “Zviri nani mwanangu kuti ushande navasikana vanomushandira ivavo nokuti ukaenda kumunda mumwewo, kungadaro kukawana chakaipa chingaitwe kwauri.”
23
Naizvozvo Rute akaramba achifuhwa akati kwati navasikana vaimushandira vacho kudzamara vapedza kukohwa bhari nekoroni, iye achigara zvake navamwene vake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4